Psalms 37

Pisarema raDhavhidhi.

1Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa,
uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa;
2nokuti souswa vachaoma nokukurumidza,
somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma.

3Vimba naJehovha uite zvakanaka;
gara panyika ufarikane pamafuro manyoro.
4Farikana muna Jehovha,
uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.

5Isa nzira yako kuna Jehovha;
uvimbe naye uye iye achaita izvi;
6achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza,
nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati.

7Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere;
usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo,
pavanoita mano avo akaipa avakaronga.

8Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha;
usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa.
9Nokuti vasakarurama vachagurwa,
asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika.

10Chinguva chiduku duku, vakaipa havachazovapozve;
kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi.
11Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika,
uye vachafarikana norugare rukuru.

12Vakaipa vanofungira vakarurama mano akaipa,
uye vanovarumanyira meno avo.
13Asi Ishe anoseka vakaipa
nokuti anoziva kuti zuva ravo riri kuuya.

14Vakaipa vanovhomora munondo
uye vanowembura uta
kuti vawisire pasi varombo navanoshayiwa,
kuti vauraye avo vane nzira dzakarurama.
15Asi minondo yavo ichabaya mwoyo yavo pachavo,
uye uta hwavo huchavhunika.

16Zvishoma zvowakarurama zviri nani
kupinda pfuma yavakaipa vazhinji;
17nokuti simba ravakaipa richavhuniwa,
asi Jehovha anotsigira vakarurama.

18Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha,
uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi.
19Panguva yamatambudziko, havanganyadziswi;
mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda.

20Asi vakaipa vachaparara:
vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda,
vachanyangarika soutsi.

21Vakaipa vanokwereta uye havadzori,
asi vakarurama vanopa zvakawanda;
22avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika,
asi avo vaanotuka vachaparadzwa.

23Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu,
anosimbisa mafambiro ake;
24kunyange akagumburwa, haangawi,
nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.

25Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura,
asi handina kumboona vakarurama vachiraswa,
kana vana vavo vachipemha chingwa.
26Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo;
vana vavo vacharopafadzwa.

27Dzoka pane zvakaipa ugoita zvakanaka;
ipapo uchagara panyika nokusingaperi.
28Nokuti Jehovha anoda vanoruramisira
uye haangazosiyi vanhu vake vakatendeka.

Vachadzivirirwa nokusingaperi;
asi vana vowakaipa vachaparadzwa;
29vakarurama vachagara nhaka yenyika
uye vachagara mairi nokusingaperi.

30Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri,
uye rurimi rwake runotaura kururamisira.
31Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake;
tsoka dzake hadzitedzemuki.

32Vakaipa vanovandira vakarurama,
vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo;
33asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo,
kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa.

34Rindira Jehovha,
uye uchengete nzira yake.
Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika;
kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona.

35Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye
achibudirira somuti wakasvibira pavhu romunyika yawo,
36asi nokukurumidza akapfuura uye akasazovapozve;
kunyange ndakamutsvaka, haana kuzowanikwa.

37Cherechedza asina mhosva, ongorora akarurama;
ane ramangwana rakanaka munhu worugare.
38Asi vatadzi vose vachaparadzwa;
ramangwana rowakaipa richagurwa.

39Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha;
ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko.
40Jehovha anovabatsira uye anovanunura;
anovanunura kubva kuna vakaipa uye anovaponesa,
nokuti vanovanda maari.
Copyright information for SnaBDSC